top of page
Search

Breaking News

  • Writer: lindokuhlenkosi
    lindokuhlenkosi
  • Jul 2, 2020
  • 1 min read

Kanzera weWard 7 kuBikita South Constituency

odhurisira vagari venzvimbo yakapoteredza

michovha yake pakufamba.Vachitaura nevatori

venhau dzebepa rino vagari vokwaZiki vanoti ,kubva

paZiki kuinda paNyika growth point Nyandoro ari

kuchaja mari inosvika makumi mapfumbamwe

nemashanu emarands ekuS.Africa kana kudarika

(R95/or more).Vachitaura vanoti ivo hunhu

hwakadaro auhutarisirwe kumunhu wakanzera.Vagari

venharaunda dzinoti Checheni,Chedutu,Chinyika

nedzimwe dzakapoteredza voita mutimba napasi

kuinda kwaNyika nokuda kwekushaiwa mari

dzokunze idzo dzinodiwa nevemichovha

pakufamba.Vachitaura vasina kuda kudomwa

nemazita vanoti hunhu hunoitwa nakanzera

wavakavhotera hwavapedza simba.Vamwevo vati

vanoda kuzivikanwa nokuti Chamunorwa vanoti

vadzidza chidzidzo uye sarudzo dza2023

dzatovanonokera.Vanoti kubva zvavaisa bato

reZanupf pachigaro vaiva netarisiro dzokuti zvinhu

zvichachinja sezvo vaivimbiswa huchi

nomukaka.Vatiwo dunhu rashe Ziki radzokera

pachikare apo vakawanda voshandisa mbongoro

nengoro kufamba nzendo refu.Hatina kubata

vaNyandoro kuti tinzwewo divi ravo sezvo nhare

yavo yaive isiri pamasai sai.

More news.


 
 
 

Recent Posts

See All
No to Police brutality

Please sign this petition & RETWEET. United Nations: Zimbabwe Government to stop police brutality, unlawful arrests and incaceration of...

 
 
 
Chi

This happened today in Chitown when a ZRP police officer was on his way after duty and the road walking alone at foot because is no money...

 
 
 

Comments


Post: Blog2_Post

Subscribe Form

Thanks for submitting!

  • Facebook
  • Twitter
  • LinkedIn

©2020 by MDC ALLIENCES. Proudly created with Wix.com

bottom of page